M.A.P.I.P.I

M.A.P.I.P.I

Share

18/11/2013

Vanhu havagoni kupedza matambudziko avakatarisana navo nekuti dambudziko guru remunhu kutadza kuziva kupedzwa kungaitwa dambudziko. Dambudziko rinopedzwa nekupedza chinorikonzeresa chete. kwete kuti karamata nedambudziko racho haukunde.

17/11/2013

Pane zvamabvunzana nekupindurana regai ndikubatsireiwo ndichiti. Pakuti chii chinonzi Bible. Bible idura reShoko dzvene raMwari. Munowanikwa nhoroondo,mhiko, mitemo ne dzidziso yese yemhuri ya Mwari.. Testamende itsva yakabatanidzwa ne Bible nekuti Jeso ndeve iyo imba tsvene ya Mwari. Hapana chikonzero chaiita kuti Jeso vashandise Bible iye ariiye munyorwi varo nemunyoresi varo. Kushandisa Bible nguva dzese zvakafanana ne mwana anonyora bvunzo aine answer book. Kufanana nemuchairi anochaira mota achitarisa mu highway code. Vanoziva vanoziva nemusoro zviri muhighway code mushure mekuidzidza kamwe vachatanga zvekuchaira. Ane Mweya mutsvene haana basa nekushaya Bible anoziva hutsvene hwa Mwari pasina Bible. Ngati tsvage answer book paita nharo kana pasina Mweya mutsvene. Uto rinoratidza kuti muuto nekupfeka kwake kunyange asina pfuti. Kupfeka kunoyamura kukoshesa nekuremekedza basa raunoita kana rauri kuita. Kana chiremba anopfeka dust coat rebasa kunyange asinga shandiri pane huruwa, kuremekedza basa. Kwedu varume havadye ne hat kana vana havadye vakatambarara., kuremekedza kudya na Musiki. Kupfugama mabvi nemagokora hausi mutemo asi ruremekedzo kuna Mwari. Kana mureza chaivo jira uchisimukirwa neku bvisirwa hat Mwari vangatadzawo sei kubvisirwa shangu pamwe neku vapfekerawo nhumbi dzinoratidza kuvaremedza Musiki ve Zvese. Unogona kunamata Mwari chero vakapfeka zvakaita sei hachisi chitadzo asi kushaiwa ruremekedzo kuna Mwari. Kana weave, wig mumusoro muchinamata kushora Mwari. Kutya kana kuti kuremekedza Mwari ndokutanga kwezivo. Amen.

14/11/2013

M.A.P.I.P.I Kuti church pamwe nevaporofita
vayo varege kuve venhema.
Ngavarege kuita minamto chete
yekudzinga urombo vasina
zvavari kuita kuwaka mabasa.
Ngavarege kuti vadzinga nzara vasina kana kamunda kavano
rimira church. Nzara ne hurombo
hazvipere nekunamatirwa kana
nekutenda kwemunhu, zvinoda
kudya nekushandirwa nemawoko
kwete mweya. Jeso mwanakomana va Mwari
akaporesa zviuru nezviuru
zvevanhu asi akaona zvisina
chiyamuro kuporesa
nekuropafadza vanhu vasina
chikafu akanamatira hove ne chingwa kuti vanhu vararame.
Zvakatanga zvekurarama
kwemunhu neminamato chete
pasina sadza? Munamato vababa
unoti tipeiwo nhasi kudya kwedu.
Munamato haudyiwi. Church dzawedzera nzara munyika
nekungo waka matemberi asina
minda. Vanhu vanodya temberi
here gore renzara. Church isina
dura rezviyo yakafa. Hapana
Mwari kana pasina kudya ndosaka takasikwa mumunda ve
Edeni. Mweya unodawo kubata
kwenyama kuti kutenda
kwechokwadi kuvepo. Musa
hwanda ne mweya kuti muzita
ra Jeso nzara ngayiende, kunyepa bikirai vanhu chikafu.
Amen.

Want your place of worship to be the top-listed Place Of Worship in Mutare?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Website

Address


Mutare