Shoko Ranhasi
All Scripture is given by inspiration of God, and is profitable for doctrine, for reproof, for correction, for [c]instruction in righteousness, that the man of God may be complete, thoroughly equipped for every good work.
SHOKO RANHASI –THE BOOK OF MALACHI
PART 2: Kusapa Mwari nzvimbo yawo - kukudzwa kwangu kuripi - kutyiwa kwangu kuripi?
Monday 27 April 2026
Rugare ngaruve nemi mose!
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
https://www.facebook.com/mamhunzephib
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
Shoko ranhasi riri pana Malachi 1:6–14 rinoti: "Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapirisiti vanozvidza zita rangu. Zvino imi moti, `Tinozvidza zita renyu neiko?"
English:
“A son honors his father, and a servant his master. If then I am the Father, where is My honor? And if I am a Master, where is My reverence? Says the Lord of hosts to you priests who despise My name. Yet you say, ‘In what way have we despised Your name?’"
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
ZVIDZIDZO:
Ngatitende Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, vatipa mukana vezuva ranhasi. Mu PART 1 takaona rudo rwaMwari runorambwa navanhu, zvino mu PART 2 tiri kudzidza nyaya yedu tisingakudzi kana kutya Mwari wedu, tinotokudza vabereki panyama kupfuura kukudza Mwari wedu.
1️⃣ Kutadza Kukudza Mwari saBaba naTenzi wedu - Our Father and Master:
Shoko rationesa kuti: "Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapirisiti vanozvidza zita rangu. Zvino imi moti, `Tinozvidza zita renyu neiko (Malachi 1:6)?" Pane mibvunzo miviri yabvunzwa apa zvanzi (a) Zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? (b) Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Paita 2 titles apo kunzi (a) "Baba" kuri kureva hukama hwedu naMwari wedu kuti hunofanira kuva hukama hwakasimba hwaBaba nevana vawo, zvino tanzi hatisi kuvakudza saBaba wedu; then panzi (b) kunzi Tenzi (Master) zvinoratidza simba revatinoshandira anova Mwari wedu hukama huri pakati pemushandirwi nemushandi hunofanira kuonekwa mushandi achitya tenzi wake, but we are not giving God His reverence, zvanzi "kutyiwa kwangu kuripiko - where is my reverence?" Jesu Kristu vanozombobvunza mubvunzo uyu: "Munondiidzireiko Ishe! Ishe! Musingaiti zvandinoreva (Luke 6:46)." Yes muranda anofanira kuita zvarehwa natenzi wake. Iko kukudza Mwari hakusi kungoti “Ishe, Ishe...., kana kungoti Baba....," asi kunoreva kuteerera Mwari,
kuzvininipisa kwose munaMwari, kuisa Mwari pamberi pezvinhu zvose
✍️ Ndinofarira chiporofita chaJeremiah chinopa practical experiences first, then Mwari vozotsanangura nyaya yawo. Mwari vanoudza Jeremiah kuti aende kumba kwavaRekabi anovadana vauye muimba yaMwari, avape wine vanwe, asi vaRekabhi kunyange vakatenda kupinda mumba maMwari vakaramba kunwa wine, vakaonesa kuteerera kwavanoteerera nako vabereki vavo vakavaudza kuti havaifanira kuzonwa zvibereko zvemazambiringwa kana kuvaka dzimba, kana kutoita minda yemizambiringa yacho, vanoti vakateerera zvavakarairwa naJonadab baba wawo (Jeremiah 35:1-11). Panorwadza ndipo after practical scenario yoneswa Jeremiah, zvinozonzi: "(12) Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti, (13) Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu,' uti, `Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.' (14) Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera. (15) Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.(Jeremiah 35:12-14)." Mwari vari kuburitsa nyaya yakadzama yekuti dambudziko revanhu harisi kusaziva Mwari, asi kusada kuteerera, nokuti Mwari vakataura navo nguva dzose, vaakavatumira vaprofita, asi vakasarudza hawo kusateerera Mwari wacho. VaRekabhi, kunyange vaingotevera murayiro wemunhu (Jonadhabhi), vakaratidza moyo wekuzvininipisa, discipline, uye kuvimbika, izvi zvinoratidza kuti kuteerera kunobva pamoyo wakazvipira, kwete pakuwanda kwezvinonzwiwa.
Naizvozvo, Mwari vanotionesa kuti chiyero chavanotonga nacho hachisi ruzivo rwatinarwo pane zvatinazvo, asi zvatinoita kana tanzwa shoko rawo, iko kusateerera kunoonekwa nekusaita zvakarairwa naMwari (Jeremiah 35:12-19). Zviya zvinonzi neshoko: "Ishe akati, Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi moyo yavo vakaiisa kure neni, nokunditya kwavo zvawava murayiro wavanhu wavakadzidziswa (Isaiah 29:13; Matthew 15:8-9; Mark 7:6).
✍️ Ngative nehukama hwaBaba nevana vawo, hwevaranda naTenzi vawo titeerere Mwari nekuvakudza. Jesu Kristu vanozoti: “(15) Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu..... (21) Unemirairo yangu, akaichengeta,, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda vo, ndichazviratidza kwaari...... (24) Usingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, arizi rangu, asi nderababa vakandituma (John 14:15)." Jesu Kristu vari kusimbisa nyaya yehukama hwechokwadi pakati pedu naye zvinooneswa nekuteerera mirairo yake kana mashoko ake, kwete kungotaura chete. Anotsanangura kuti anomuda ndiye anochengeta mashoko ake, uye munhu akadaro ane hukama hwakadzama naMwari, achidikanwa naBaba uye Jesu Kristu achizviratidza kwaari, asi asingamudi zvinongoknekwa nekusachengeta mashoko aJesu Kristu. Israel yakamboudzwa zvinotsvagwa naMwari kwavari, zvinonzi: "(12) Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomoyo wako wose uye nomweya wako wose, (13) nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka (Deuteronomy 10:12-13)." Ndizvo zviri kutsvagwawo kwatiri vanhasi izvo (a) kutya Mwari, (b) kufamba munzira dzaMwari, (c) kuda Mwari nomwoyo yedu yose, uye (d) kuchengeta mirairo yaMwari. Shoko roti: "Saka, zvatinopiwa vushe bwusingazununguki, ngative nokuvonga kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya (Hebrews 12:28)."
2️⃣ Kupa Mwari Zvibayiro Zvakasvibiswa (Polluted Sacrifices):
Apo pataurwa nyaya yakaoma hama dzangu. Zvanzi neshoko: "(7) Munondivigira chingwa chine tsvina paaritari yangu. Zvino moti, `Takakusvibisai neiko?' Pakutaura kwenyu muchiti, `Tafura yaJehovha ngaizvidzwe hayo.' (8) Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro, hazvina kuipa here? Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara hazvina kuipa here? Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo (Malachi 1:7-8)." Mwari wedu vari kutsiura vanhu nokuti vaimupira zvibayiro zvisina kukwana, zvakapofumara, zvinorwara, kana zvinokamhina, izvo zvairatidza kushaya kukudza Mwari wedu. Pakabvunzwa kuti “mungapa here zvinhu zvakadai kumutongi wenyu?” vachiratidza kuti ivo vaiziva kuti hazvina kukodzera kuitwa kuneumwe munhu, asi vakazviita kuna Mwari. Mwari vanoda zvakanakisisa kubva kwatiri uye moyo unorumbidza zvechokwadi. Mwari vaida chibayiro chisina chakaremara, asi ivo vaipa zvakarambwa navanhu, zvekuti vakapa mutongi pakati pawo anozbirambawo.
✍️ Ndipo patinodzidziswa tichinzi: (1) Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo. (2) Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana (Romans 12:1-2)." Chibayiro chatinofanira kubayira Mwari nhasi tisu tirikunzi tive chibayiro (a) chipenyu, (b) chitsvene, (c) chinofadza Mwari. Ngatizvinzverei hama dzangu tione kuti Mwari vanofadzwa nesu here? Rimwe choki rinobva rati: "Nemi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuPirisita vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu (1 Peter 2:5)." Tiri kubayira Mwari zvibayiro zvinovafadza here pamugariro nemuraramiro wedu? Izvi zvinogonekwe neakada Mwari nemwoyo wose, zvinorehwa neshoko kuti: "Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose (Mark 12:30)."
3️⃣ Hukuru hweZita raMwari:
Shoko raMwari rati: "Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo (Malachi 1:11)." Imi kana tikaramba kurumbudza, kukudza, kana kutya Mwari, kune vamwe kana kumwe kwarichakudzwa. Israel yaramba kukudza nekutya Mwari, iwo Mwari vanozivisa Israel kuti "zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni..., pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu," kungoonesa kuti mamuramba henyu, Mwari vakusiyai vaenda kumwe. Ndiyoka inotaurwa naPaul paya shoko rinoti: "(46) Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi nohupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. (47) Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika (Acts 13:46-47)." Yes Israel maramba Mwari, zvino Mwari vafunga kuvhenekera vaHedheni, vakanga vasiri rudzi rwaMwari, kuti ruponeso rwakasvikawo nekwatiri. Shoko rinoti: "(11) Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko; (12) kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe hwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika. (13) Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu (Ephesians 2:11-13)." Takanzwirwa nyasha hama dzangu zviya zvanzi: "Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo (Malachi 1:9)." Hatisisiri kure naJesu Kristu, takaswededzwa kwaari neropa rake.
✍️ Zvanzi rumbidzo yaMwari ichawanikwa kuvahedheni, ngatinzwe mission yakapihwa Paul naMwari: "(16) Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakavona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri; (17) ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari; (18) kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kunaMwari. Kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri (Acts 26:16-18)." Zvino zvinkbatrisei hama dzangu (a) kana isu tiri kutarisirwa kuvhenekerwa nechiedza chaMwari tiri kuramba kuvhenekerwa, (b) kana isu tirikufanirwa kubviswa musimba rasatan tichiuya kunaMwari tirikurambira maari satan wacho, zvinkbatsirei? Hatisi kuda kugamuchira kanganwiro yezvivi nekuti tirikuda kurambira mazviri zvivi zvacho? Jesu Kristu vanomboti: "(19) Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. (20) Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. (21) Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari (John 3:19-21)." Mabasa edu haasi kutiswedzedza kure naMwari here, haasi kuita kuti tivenge chiedza here iye Jesu Kristu, haasi kuita kuti tirambire musimba rasatan here ratinofanira kubviswa mariri? Isu tinonzi: "Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuPirisita hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muvuye kuchiedza chake chinoshamisa (1 Peter 2:9)." Hama dzangu isu tiri rudzi rutsvene rwaMwari, chirikudiwa kuparidza kunaka kwaJesu Kristu Ishe wedu kwose-kwose.
✍️ Rimwe shoko rinoti: "Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa (Psalm 113:3)." Yes Mwari wedu ngavarumbidzwe nguva dzose, vakatida norudo rukuru. Rimwezve shoko robva rati: "Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa (Habakkuk 2:14)." Hama dzangu kana isu tikasavakudza Mwari, vamwe vachavakudza, zviya zvinonzi naJesu Kristu kana marambidza awa kurumbidza, mabwe acharumbidza (Luke 19:40).
4️⃣ Kusava nehanya muKunamata:
Shoko raMwari rinoti: "Munotiwo, `Tarirai zvinonetsa sei! ' Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha (Malachi 1:13)." Hatisi isu here hama dzanga tirikuvigira Mwari zvibayiro (a) zvakapambwa, (b) nezvinokamhina, uye (c) nezvinorwara? Isu shoko raMwari rinotiti: "Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo (Romans 12:1)." Tiri kunzi isu tinofanira kuva zvibayiro (a) zvipenyu, (b) zvitsvene, uye (c) zvinofadza Mwari, ndizvo zvatiriwo here? Muraramiro wedu uri kufadza Mwari here, tiri kubva pane zvakaipa here tichiuya kururama? Pari kutsvagwa vanhu vanonamata Mwari muMweya nemuzvokwadi (John 4:23-24), vasina kunyengera pavari, vanorarama maringe neshoko raMwari.
✍️ Shoko rinoti: "Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni (Malachi 1:14)." Mwari wedu ndiMambo mukuru (Great King), zvanzi "zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni [my name is dreadful among the heathens]," zvino isu taiva vahedheni kare Mwari vakatidana kubva mumadhaka mataiwa, tiri kuvarumbidza here Mwari wedu, tiri kutya here Mwari wedu awa (1 Corinthians 12:2; Ephesians 2:1-2 & 11-12)?
Swerai munyasha dzaMwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu tichizvibvunza mubvunzo uyu kuti "zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko?" Mwari vatibatsire titendeuke.
🙏🙏🙏🙏
Rambai muri munyasha dzaMwari.
NDATENDA
Phib Mamhunze
077 238 7707
+263718662059
SHOKO RANHASI –THE BOOK OF MALACHI
PART 1: Rudo rwaMwari Runorambwa neVanhu - Makatida neiko?
Wednesday 22 April 2026
Rugare ngaruve nemi mose!
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
https://www.facebook.com/mamhunzephib
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
Shoko ranhasi riri pana Malachi 1:2 rinoti: "Ndakakudai ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imi munoti, `Makatida neiko?' Ko Esau akanga asi mukoma waJakobho here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvakadaro ini ndakada Jakobho."
English:
"I have loved you,” says the Lord. “Yet you say, ‘In what way have You loved us?’ Was not Esau Jacob’s brother?” Says the Lord.“Yet Jacob I have loved."
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
ZVIDZIDZO:
Ngatitende Mwari, iwo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu vakatida norudo rukuru rwusingagoni kutsanangurika. Nhasi Mwari vachitibatsira tichatanga kubata The Book of Malachi, aiwa mumwe vavaporofita venguva yakare. Nyaya yacho inototangira pa "chirevo cheshoko raJehovha kuvanhu .... Israel [The burden of the word of the Lord to the people ... Israel]" rimova shoko rinorema, rakatakura kutonga, kuraira, uye rudo rwaMwari panguva imwe chete.
1️⃣ Chirevo chaJehovha (The Burden of the Word):
Shoko raMwari rinotanga nekutaura chirevo cheshoko raJehovha kuna Isiraeri chakatumwa naMalachi (Malachi1:1), achitumwa nacho kurudzi rwaMwari rwaiva Israel. Zvichireva kuti nesuwo zvatave rudzi rwaMwari, vadyi venhaka pamwechete naJesu Kristu (Romans 8:17; James 2:5). Iro word rekungoti “chirevo” rinogona kureva mutoro, shoko rinorema, mashoko asingafadzi, asi anoponesa achifanira kutaurwa zvakadaro. Izvi zvinotiratidza kuti shoko raMwari haringouyi kuzotiita comfort chete, asi rinotombouyawo kuzotiruramisa nekudzorera vanhu kunaMwari. Shoko rinoti: "Shoko rangu harina kufanana nomoto here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; uye senyundo inoputsanya d***o here ["Is not My word like a fire?” says the Lord, “And like a hammer that breaks the rock in pieces?] (Jeremiah 23:29)?" Yaaa chinangwa chemoto mushoko raMwari kupisa zvakaipa zvose sezvinoitwa silver o gold kupinda nemumoto kuti twose twakaipa truparare gold ribude mumoto ranaka. Nyundowo kana kuti sando purpose yayo mushoko raMwari kuputsanya zvisungo zvakaipa, zvitendero zvenhema, kutisiya tave in a required shape and state yekuti tirumbidze tisisiri muzvifananidzo kana kunamata kwenhema.
✍️ Iro shoko raMwari ranzi "Chirevo cheshoko raJehovha kuva Israel [The burden of the word of the Lord to Israel" iri rinotaurwa kunaHebrews zvichinzi: "Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo (Hebrews 4:12)." Tazvinzwa here zviri mushoko raMwari kana tichiri paridzirwa? Zvanzi Shoko raMwari (a) ibenyu, (b) rinesimba, (c) rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye (d) rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. So rakagadzirwa kuti ritikwanisire kupatsanura zvakanaka from zvakaipa, ndiko saka takaona Solomon apihwa huchenjeri paya paakakumbira kugona kupatsanura zvakanaka nezvakaipa (1 Kings 3:19), the first scenario yaanosangana nayo ndeyezvifeve chimwe chakatsimbirira mwana akafa, kwakutora mupenyu vechimwe chifeve nekuisa akafa kune asina kutsimbirira mwana - zvose zvakaitika husiku kusina anoona. Solomon anongoti hunzai banga ticheke mwana mese mutore half yemwana vamuri kuti ndevenyu, zvokwadi nenhema zvikabuda paonekwa kuti mai chaivo vemwana ndevapi vakapihwa mwana vawo (1 Kings 3:16-28). saka hama dzangu kana Mwari vatotema chirevo, zvinogona kuonesa kuti vanhu tava kure naMwari, mwoyo yedu yaoma saka pane chinhu chinofanira kugdziriswa matiri kugadziriswa. Saka Malachi haasi kutumwa ne compliment, but ari kuuya ne correction inobva murudo rwaMwari wedu.
2️⃣ Rudo rwaMwari Harurambiki:
Shoko raMwari ratiti: "Ndakakudai ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imi munoti, `Makatida neiko.... (Malachi 1:2)?" Chinhu chinonyanya kushamisa apa ndechekuti Mwari vachipa chirevo kunaMalachi, Mwari havatangi nekutsiura, vanotanga nekuonesa rudo rwukuru rwavakatida narwo, zvanzi "ndakakudai," and a signature yobva yaiswa kuti "ndizvo zvinotaura Jehovha." Kana Mwari vatoisa signature vatopikira kuti ndicho chokwadi chisingashanduki kuti "vakatida." Rimwe shoko raMwari rinoti: Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, `Zvirokwazvo, ndakakuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro (Jeremiah 31:3)." Yes hama takadiwa norudo rukuru naMwari, vakatikweva kuti tibve mumabasa enyika tiite mabasa aMwari, tibve murima tiuye kuchiedza, uye kubva kusimba rasatan tiuye kunaMwari (Acts 26:16-18). Urwu ndirwo rudo rwatakaitirwa: "Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi (Romans 5:8)." Tichakanyura muzvivi, Mwari vakatuma mwanakomana vawo kutifira kuti tibve muzvivi zvedu, tisukwe, tive vakachena zvakare, tizova vadyi venhaka yaMwari pamwechete naJesu Kristu. Iya inotaurwa naJeremiah kuti: "(22) Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. (23) Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru (Lamentations 3:22-23)." Pasina rudo rwatakaitirwa naMwari hama dzangu ingadai takaparara. Ndizvo zvinonzi: "Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave nohupenyu husingaperi (John 3:16)." Yes parikudiva vanotenda kunaJesu Kristu, saka nekuti tinodiwa kana paita zvisizvo chirevo chokutiranga chinonyorwa chitidzose munzira yaMwari sezvavanoranga vavanoda (Hebrews 12:6; Proverbs 3:11-12 & 19). Let us accept “correction,” yatinoitwa naMwari murudo
✍️ Zvabva zvatisvitsa apa vanhu pavati: ".... kunyange zvakadaro imi munoti, Makatida neiko.... (Malachi 1:2)?" Uyu mubvunzo unoratidza kuti pamwe hatizive rudo rwatakaitirwa, kana kuti hatitendi kurudo rwatakaitirwa, kana kuti mwoyo yedu nameso edu zvakapofumadzwa kuti tirege kuona kudiwa kwatakadiwa nako naMwari wedu muna Jssu Kristu. Mwari vanombotaura naHosea vachiti: "(3) Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa. (4) Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo (Hosea 11:3-4)." Zvandisvitsa parwiyo rwatinoimba rwuya Ranaka iro zuva," patinozoti, "vakandizvuva norudo, ndikakutevera ini." Tapanzwa here panzi "ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa?" Pamwe pacho takaita setakapofumara zvekutadza kuziva akatiponesa haaa, pakaoma apo. Tatakurwa namabote muzvisungo zvorudo [gentle cords, with bands of love] zvazonzi "ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo." Imi majoko edu akasunungurwa tikapihwa majoko asingaremi (Matthew 11:28-30), kana takasunungurwa zvinonzi tichava vakasununguka chose (John 8:36). Mwari vakaita remind Israel kuti ndakakuninipisai, ndikakuziisayi nenzara, kukupai manna yaisaziikanwa panyika, chinangwa chiri chokuti Mwari: "akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha (Deuteronomy 8:2-4)."
✍️ Charwadza ndechokuti zvinonzi: "Vakakanganwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza (Psalms 78:11)." Yaa imagine kuti tinokanganwa zvatakaitirwa, namabasa anoshamisa akaitwa muhupenyu hwedu. Ndipo panzi: "Kunyange zvakadaro imi munoti, `Makatida neiko?" Hama dzangu kukanganwa kunobereka zvakaitwa naMwari kana kukanganwa Mwari kunobereka kusatenda kunaMwari munaJesu Kristu. Imaginr Israel yakanga yadzoka kubva muhutapwa, yakanga ichiri kurarama, yakanga uchichengetedzwa naMwari, but unotoshamisika pavanoti: “Makatida neiko... Makatida papi?” Zvinotidzosa paya Jesu Kristu vaporesa varume 10 vakanga vaine maperembudzi kukadzoka only one out of the 10 aiwe mutorwa futi (Luke 17:11-19). Hationi pataitirwa zvakanaka naMwari, hatitendi Mwari kana taitirwa zvakanaka, tinofunga kuti kungwara, its luck, etc.
3️⃣ Kusarudza kwaMwari – Jakobho naEsau:
Shoko raMwari rarisvitsa apa: "(2)..... Ko Esau akanga asi mukoma waJakobho here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvakadaro ini ndakada Jakobho; (3) asi Esau ndakamuvenga, ndikaita makomo ake matongo, ndikapa makava amarenje nhaka yake (Malachi 1:2-3)." Apa Mwari vari kupa huchapupu hwerudo rwavo zvekuti munhu achiri mudumbu Mwari vakanga vatoda Jacob vakatoonesa kuti mukuru uchashumira muduku (Genesis 25:23), munhu achiri mudumbu, hakuna ati aona zvakanaka kana zvakaipa zvake atodiwa.... Ndiyoka inozotaurwa apa: "(11) nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana, (12) zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko. (13) Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga (Romans 9:11-13)." Haaa Mwari wedu vanogara vatida pamwe tisati taziva kuti tichavako, vanongoti "Ndakakudai (Malachi 1:2)."
✍️ Rimwe shoko roti: "(7) Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurai, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imi makanga muri vashoma kundudzi dzose. (8) Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikunurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti (Deuteronomy 7:7-8)." Kana Mwari vatotida vatotida zvanzi hazvinei nekuwanda kana hushoma, hakuna chakaita Mwari vadite kusara kwekungoti "Jehovha unokudai." Mwari wedu vanoramba vakatendeka zvawo kunyange isu tikasatendeka (2 Timothy 2:13).
Swerai munyasha dzaMwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu tichiziva kuti Mwari vakatida norudo rukuru, asi isu vanhu tisu tinogona kunge takapofumadzwa kusaona kana kukoshesa rudo urwu. Hatisisu here tine mweya vekukanganwa kusvika pakubvunza kuti "Makatida neiko," tidzokere pakuziva rudo rwaMwari, uye tirarame sehvanhu vanoziva kuti vakadiwa. Zvinonzi "Isu tinoda nokuti Mwari vakatanga kutida (1 Johane 4:19)."
🙏🙏🙏🙏
Rambai muri munyasha dzaMwari.
NDATENDA
Phib Mamhunze
077 238 7707
+263718662059
SHOKO RANHASI – TARIRO {HOPE}
FINAL PART: Rambai Makatindira paTariro – Musazungunuswa.
Friday 13 April 2026
Rugare ngaruve nemi mose!
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
https://www.facebook.com/mamhunzephib
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
Shoko ranhasi riri pana Hebrews 10:23 rinoti: "Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka."
English:
"Let us hold fast the confession of our hope without wavering, for He who promised is faithful."
〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️〰️
ZVIDZIDZO:
Ngatitende Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, vakatipa tariro isingaperi, tariro isinganyadzisi, uye tariro mhenyu iri munaJesu Kristu. Tasvika pakupedzisira kwedzidziso yedu pamusoro peTariro, uye nhasi tiri kusimbiswa kuti: rambai makabatirira patariro, musazungunuswa. Hupenyu hunouya nemiedzo, kunonoka kwezvipikirwa, uye dzimwe nguva kusanzwisisika kwezvinoitwa naMwari, asi Shoko rinotiti batirai kwazvo patariro yenyu.
1️⃣ Tariro Inobva Kuna Mwari:
Shoko rinoti: "Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene (Romans 15:13)."
✍️ Hama dzangu, Mwari vanonzi “Mwari wetariro - God of hope" nokuti ndivo vanopa tariro yechokwadi. Tariro dzinobva kuvanhu dzinopera, asi tariro inobva kuna Mwari, haigumi, haichinji, uye hainyadzisi. Mwari ngavatizadze netariro iyi, zvanzi kuti tive (a) netariro yakawandisa, uye (b) nesimba roMweya Mutsvene. Izvi zvinouya kana Mwari vetariri vatizadza nomufaro wose, norugare pakutenda kwedu. Tizadzei nemufaro, norugare Mwari wedu tive netariro yakawanda uye, tive nesimba iri roMweya Mutsvene. Hama dzangu, isu takazadzwa here nomufaro norugare pakutenda kwedu kuti tive netariro yakawandisa nesimba roMweya Mutsvene, kana kuti tichiri kushaya tariro nekuti hatina kuzadzwa moyo yedu naMwari wetariro?
✍️ Shoko rinoti zvakare: "(7) Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake. (8) Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko (Jeremiah 17:7-8)." Hama dzangu, mubvunzo mukuru ndewokuti: tariro yedu iri munaani? Shoko rinoti "akaropafadzwa munhu anoita Jehovha chivimbo chake (whose hope is in the Lord)." Kana tariro yedu yakadzika midzi muna Mwari, hatizungunuswi nematambudziko, hatityi kana zvinhu zvakaoma, uye hatiperi simba, asi tinoramba takamira sezvo midzi yedu iri pana Mwari. Saka ngatibvise tariro yedu pazvinhu zvinopera nezvinotshanduka, toiisa pana Mwari vasingashanduki, vasingachinji, vasingazununguswi, iwo vanotipa kusimba, kugadzikana, uye kubereka zvibereko nguva dzose.
2️⃣ Tariro Inosimbiswa naJesu Kristu:
Jesu Kristu ndiye hwaro hwetariro yedu. Shoko rinoti: "Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata ((1 Corinthians 15:20)." Kumuka kwaJesu Kristu ndiko kunosimbisa tariro yedu. Dai Jesu vasina kumuka: (a) tariro yedu yaizova isina hwaro hwakasimba, uye (b) kutenda kwedu kwaizova kusina simba. Asi nokuti vakamuka kuvakafa, uye zvino "vakagara kurudyi rwaMwari (Colossians 3:1; Acts 7:55-56; 1 Peter 3:22)," uye zvakare vachitikumbirira (Romans 8:34)," tine kukunda rufu, tine tariro yeramangwana, uye tine chokwadi choupenyu husingaperi.
✍️ Jesu Kristu vanoti: "... Ndini kumuka novupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama (John 11:25)." Hama dzangu, tariro yedu haisi fungidziro kana chishuwo chisingazivikanwi, asi yakavakirwa panaJesu Kristu mupenyu, akakunda rufu uye ane upenyu nokusingaperi. Nokutenda munaJesu Kristu, tinopiwa tariro yokuti rufu harisi magumo, asi kupinda muhupenyu husingaperi, sezvo iwo Jesu Kristu vakamuka kuvakafa uye vachiri vapenyu nokusingaperi (Revelation 1:18). Saka tariro yedu yakasimba nokuti yakavakirwa paMuponesi wedu Jesu Kristu mupenyu, haashanduki, uye anotipa vimbiso yohupenyu husingaperi. Shoko robva rati: "VAHEBHERU 10 : 23 Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka (Hebrews 10:23)." Akapikira tariro iyi akatendeka, ndiye Jesu Kristu, Ishee wedu.
3️⃣ Tariro Inofanira Kuchengetedzwa- kunyangebzvikaita sezvanonoka:
Shoko rinoti: "Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu (Proverbs 13:12)." Hama dzangu, pano ndipo panonyanya kukosha - kuchengetedza tariro. Vanhu vazhinji vanorasikirwa netariro nokuti zvinhu zvinononoka, minyengetero ichiratidza sokuti haisi kupindurwa, uye matambudziko achiramba achiwanda. Asi chokwadi ndechekuti chatakavimbiswa naMwari chinosvika nenguva yacho yakakwana, uye pakupedzisira tinofara muupenyu husingaperi. Ndokusaka Shoko richitiyambira richiti: "Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomoyo wakaipa usingatendi, mutsauke muchibva kunaMwari mupenyu (Hebrews 3:12)." Zvinhu zvinouraya tariro zvinosanganisira: kutya, kusatenda, kusagona kumirira nguva yaMwari, uye kutarisa zvinhu zvenyika kupfuura Mwari. Asi isu tinokurudzirwa kuti: "tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari (Hebrews 12:2)." Kana tikaramba takatarisa kunaJesu Kristu, tariro yedu inoramba iripo, uye moyo yedu unoramba wakasimba kusvikira pakuguma.
4️⃣ Tariro Inotisvitsa kuHupenyu Husingaperi:
Shoko rinoti: "patariro yovupenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo (Titus 1:2)." Hama dzangu, izvi zvinotiratidza kuti tariro yedu huru haina kusungirirwa pazvinhu zvapanyika chete, asi yakavakirwa pachipikirwa chaMwari asinganyepi uye asingachinji. Tariro yedu ndeyekuenda kuna Baba, tigare pamwechete naBaba noMwanakomana Jesu Kristu nokusingaperi, tiri muupenyu hwakazara murugare nerufaro rwusingaperi. Shoko rinoti zvakare: "(14) Nokuti pano hatine guta richagara, asi tinotsvaka richazovapo. (15) Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake (Hebrews 13:14-15)." Izvi zvinotiyeuchidza kuti tiri vaeni navapfuuri panyika pano; saka hatifaniri kusungirira mwoyo yedu pazvinhu zvinopera, asi kutarisa guta risingaperi rakagadzirirwa vatendi. Shoko rinoti zvakare: "Asi isu tine guta kudenga, risina kuvakwa namaoko avanhu (2 Corinthians 5:1-2)." Uye zvakare rinoti: "Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, kana kupinda mumoyo womunhu, ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda (1 Corinthians 2:9)." Saka tariro yedu inotikurudzira kurarama hupenyu hutsvene, tichirumbidza Mwari nguva dzose, nokuti tinoziva kuti zviri kuuya zvinopfuura zvose zvatinogona kufunga kana kuona.
5️⃣ Rambai Makarindira paTariro:
Shoko guru rinoti:
"...Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka … (Hebrews 10:23)." Izvi zvinoreva kuti tisabva kana kusasiya tariro, tisazununguswa nematambudziko kana zvimwe zvingada kutibvisa patariro, tisashandurwe nekuda kwemamiriro ezvinhu, kana dzimwe dzidziso dzingada kutitsausa. Shoko rinoti: "(18) kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate; (19) yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidzitiro chetembere (Hebrews 6:19)." Hama dzangu, ngatipedzisei nekukurudzirwa, tirambe tiine tariro, tirambe tichivimba naMwari, tirambe tichimirira zvipikirwa zvaMwari. Shoko rinoti: "farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera (Romans 12:12)." Ngatirambei tichifara mutariro, tichitsungirira mukutambudzika, uye tichishingaira mumunamato, kusvikira zvipikirwa zvaMwari zvazadziswa muhupenyu hwedu.
Swerai munyasha dzaMwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu. Ngatibatirirei patariro yedu tisingazungunuswi, nokuti Mwari wakapikira wakatendeka. Tariro yedu haizonyadzisi. Rambai makasimba kusvikira pakuguma.
NDATENDA
🙏🙏🙏🙏
Phib Mamhunze
+263718662059
077 238 7707
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Website
Address
Harare