BIBLE STUDY TV Channel

BIBLE STUDY TV Channel

Share

10/06/2023

16 Akavataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo;
17 akafunga mumoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingavunganidzira zvibereko zvangu.
18 Akati; Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichavunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka,
19 ndigoti kumweya wangu: Mweya, unezvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, umwe, ufare.
20 Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, mweya wako uchadikamwa kubva kwauri, novusiku; ubwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani?
21 Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asingafumi kunaMwari.
22 Zvino wakati kuvadzidzi vake; Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro povupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei?

'RUKA 12:16-17-18-19-20-21-22'

Matsvaka , maunganidz here, nhaka isingaori hama tiri vadariki panyika ino , tichatiiko tobvunza zvatakabatira Tenzi panyika ino ~Garai makagadzirira Mateo 25

14/11/2022

One Person, just one Person, can change your life for Better

I pray you meet that Person soon.

11/11/2022

Besides teaching scriptures lets also teach our children

-Lets teach vana how to behave kana vaenda Ku Holiday kumba kwevaridzi
-Toilet Training
-No go areas
-Eating habits
-How to behave mu dining room mevanhu
-Greeting Elders
-Kubatsira basa kumba kwaakaenda kuholiday
-Vamwe vanenge vaakuti dayi Holiday yapera vana ava vaenda havo kumba kwavo..
-Vamwe ndosaka vana venyu vasingatorwi kumaholidays kudzimba dzevanhu .
-Kumukira ku kitchen yevanhu ivo vasati vamuka
-Kudya zvausina kupihwa
-Kusiya ndiro pawadyira
-Kusawaridza pawarara
-Kutora remote ye vanhu ndiwe waakuto controller ma Programme mumba mevanhu
-Kumuka time yaanodira
-Kutsika chamber pane kuti ugare.
-Behavior pane vanhu vakuru
-Behavior kana mashanya -Vamwe vana vanovhura ma fridge evanhu nekutora zvavanoda vasina kupihwa.
-Kukwira ma sofa evanhu vachijamba jamba.
-Kudya vasina kunamata, kugeza kumeso or maoko
-Kurara vasina kugeza
-Kukanda kanda hembe pasi..

Vabereki nevadzidzisi ve Sunday School, ngatigareyi pasi navo vana vedu
-Munoziva here kuti kune ma Youth asingagone kuuraya nekuundura huku?
- Kutsemura huni kana kutsiga chirongo. -Vamwe havagone kubika sadza kana muriwo hapana akavadzidzisa.
-Vamwe kuwaridza paarara chaipo

Ma Youth ne Sunday School ,camps ngakuitwe zvidzidzo .
-Ma Youth anotoenda naanamayi vanovabikira kumisangano yechurch ivo vakagara.

Zvinozonetsa kana mubereki afa poshaikwa hama inozvipira kuchengeta vana vasara nekuti vanenge vasina kudzidziswa nekurairwa kuve responsible

Building a responsible generation

11/11/2022

Did you know : 21

Nguruve yese hombe nyangwe irumwe sei,kangani kakadii ne any kind of snake haifi, haitonzwi any effect. A pig is completely, completely immune to snake venom. Nguruve inotodya nyoka ichitangira nekumuswe kwenyoka ichikoborwa yakoborwazve kusvika yapedza! Venom yenyoka chekutanga, haipfuure fat layer iri under skin yenguruve. Chechipiri, anonzi ma a-neurotoxins ari or inove venom yenyoka, once muviri wanguruve waita detect kuti kune chapinda muno, muviri wenguruve unoreleasa atingati in simplest terms, masoja anoenda achichinja-chinja shape kunouraya venom.

You think this is amazing? Wait, uzonzwa zvinoitika nembudzi nenyoka!

How Great Are Thy Works Oh Lord!

11/11/2022

Murume kana Mukadzi kana mave mu merriage matauriro ako nevawaimbotamba navo kana iri opposite s*x anofanira kuchinja zvekududzira kuti iyezvino ndave mukadzi or murume mukuru ave nemhuri izvozvo zvinechimiro chakanaka even kuvana vamunozobereka kwete kungoita jee muchidevedzana nemazita zvamaisiita kare , mukadzi wemumwe ndi Ambhuya vako murume wemumwe ndi tezvara wako , mamwe matauriro kana kamwe katambiro kanopa satan mukana zvekuti unotozoshamisika kuti ko ndakazopinda mu situation yakadai sei ,dont jurge the minor munokudubuka nazvo izvi garai makapa muganhu musazonyadzise kuhama nekuvana venyu vamunobereka unozvishaisa chimiro nezvinhu zvisina basa . Vamwe ndoziva kuti muchati heee unenge wagara wakadero but munoziva here kuti situation can change u saka ma situation ari pakawanda saka unogona ku creator situation inokushandura zvinozokuchemedza mangwana saka gara waita ganhuro , rember rudo rwune godo kana pasina godo hapana rudo thats why Mwari vachiti vane Godo coz vanerudo nesu . Dzimba zhinji dzaparara neku supporter ma evil thoughts heee godo rakaipa but in merriage ndiro rinoratidza kuti there is love

Want your place of worship to be the top-listed Place Of Worship in Rustenburg North?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Telephone

Website

Address


2204 Seraleng
Rustenburg North